Deuteronomy 31:27 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti ndinoziʋa kusanzwa nokusaterera kwenyu; tarirai, ini ndiciri mupenyu pakati penyu nhasi, makamukira Jehova; hamucanyanyisi here kana ndafa?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Nokuti ndinoziva kuti vanomukira sei uye kuti mitsipa yavo mikukutu sei. Kana maimukira Jehovha ndichiri mupenyu uye ndiri pakati penyu, ko, kuzoti ndikange ndafa muchamumukira zvakadii!
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndinodaro nokuti ndinoziva umhandupandu hwenyu, noundambakuudzwa hwenyu. Zvamakatopandukira Tenzi ndichiri mupenyu nemi kudai kokutozoti ndafa!
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti ndinoziva kusanzwa nokusateerera kwenyu; tarirai, ini ndichiri mupenyu pakati penyu nhasi, makamukira Jehovha; hamuchanyanyisi here kana ndafa?
Shona 2009?
Nokuti ndinoziva kusanzwa nokusateerera kwenyu; tarirai, ini ndichiri mupenyu pakati penyu nhasi, makamukira Jehovha; hamuchanyanyisi here kana ndafa?
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti ndinoziva kusanzwa nokusateerera kwenyu; tarirai, ini ndichiri mupenyu pakati penyu nhasi, makamukira Jehovha; hamuchanyanyisi here kana ndafa?