Deuteronomy 31:29 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti ndinoziʋa kuti kana ndafa mucaɀishatsa kwaɀo, nokutsauka panzira yandakakurairai; ɀakaipa ɀicakuwirai pamazuʋa okupedzisira, nokuti makaita ɀakaipa pamberi paJehova, mucimutsamŋisa namaɓasa amaʋoko enyu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Nokuti ndinoziva kuti mushure mokunge ndafa imi muchazvishatisa kwazvo uye muchatsauka kubva panzira yandakakurayirai. Pamazuva anouya, njodzi ichakuwirai nokuti muchaita zvakaipa pamberi paJehovha muchimutsamwisa nokuda kwezvakaitwa namaoko enyu.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndinozviziva ini kuti kana ndafa muchasara zvenyu moipa zvokuipa zviya, muchitsauka munzira yandakakuudzai. Asi pamazuva achauya nhamo dzichakuwirai nokuti munenge maita zvakaipa kuna Tenzi muchimushatirisa netwamunobata namaoko enyu.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti ndinoziva kuti kana ndafa muchazvishatsa kwazvo, nokutsauka panzira yandakakurairai; zvakaipa zvichakuwirai pamazuva okupedzisira, nokuti makaita zvakaipa pamberi paJehovha, muchimutsamwisa namabasa amaoko enyu.”
Shona 2009?
Nokuti ndinoziva kuti kana ndafa muchazvishatisa kwazvo, nokutsauka panzira yandakakurairai; zvakaipa zvichakuwirai pamazuva okupedzisira, nokuti makaita zvakaipa pamberi paJehovha, muchimutsamwisa namabasa amaoko enyu."
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti ndinoziva kuti kana ndafa muchazvisvibisa kwazvo, nokutsauka panzira yandakakurairai; zvakaipa zvichakuwirai pamazuva okupedzisira, nokuti makaita zvakaipa pamberi paJehovha, muchimutsamwisa namabasa amaoko enyu.”