Deuteronomy 31:7 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Mosesi akaɗana Joshua, akati kwaari pamberi paʋaIsraeri ʋose: Simba, utsuŋge mŋoyo, nokuti iwe ucaenda naʋanhu aʋa panyika yakapikirwa madziɓaɓa aʋo naJehova, kuti ucaʋapa iyo; iwe ucaʋagarisa nhaka iyo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo Mozisi akadana Joshua akati kwaari, pamberi pavaIsraeri vose, “Simba utsunge mwoyo, nokuti unofanira kuenda navanhu ava munyika iyo Jehovha akapika kumadzitateguru avo kuti achavapa, uye unofanira kuigovera kwavari senhaka.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mosesi akadaidza Joshuwa pamberi pevaIsiraeri vose akamutaurira achiti, “Shinga utsunge mwoyo, nokuti ndiwe wava kuzoenda navanhu ava munyika yakatsidzirwa madzitateguru avo naTenzi kuti vapiwe. Ndiwe uchavabatsira kutora nyika kuti ive yavo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Mosesi akadana Joshua, akati kwaari pamberi pavaIsiraeri vose, “Simba, utsunge mwoyo, nokuti iwe uchaenda navanhu ava panyika yakapikirwa madzibaba avo naJehovha, kuti uchavapa iyo; iwe uchavagarisa nhaka iyo.
Shona 2009?
Zvino Mozisi akadana Joshua, akati kwaari pamberi pavaIsiraeri vose, simba, utsunge moyo, nokuti iwe uchaenda navanhu ava panyika yakapikirwa madzibaba avo naJehovha, kuti uchavapa iyo; iwe uchavagarisa nhaka iyo.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Mosesi akadana Joshua, akati kwaari pamberi paVaIsiraeri vose, “Simba, utsunge mwoyo, nokuti iwe uchaenda navanhu ava panyika yakapikirwa madzibaba avo naJehovha, kuti uchavapa iyo; iwe uchavagarisa nhaka iyo.