Deuteronomy 32:14 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nomukaka wakafa wemhou, nomukaka wamakwai, Pamŋe cete namafuta amakwaiana, Namakondobge orudzi rwapaBashani, nembudzi, Namafuta etȿo dzekoroni; Iwe wakanwa waini yeropa ramazambiriŋga.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
noruomba nomukaka kubva pamombe namakwai uye namakwayana nembudzi zvakakodzwa, namakondohwe akaisvonaka eBhashani, netsanga dzakanakisisa dzegorosi. Akanwa furo reropa ramazambiringa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kumombe, mukaka wakakora, kune zvimwe zvipfuwo, mukaka chete, vaine hwayana nehondohwe dzakakora, nemombe nembudzi dzokuBhashani, nekoroni ine hura dzakasvika chaizvo, wakanwa mhanga yewaini.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nomukaka wakafa wemhou, nomukaka wamakwai, Pamwechete namafuta amakwayana, Namakondohwe orudzi rwapaBhashani, nembudzi, Namafuta etsvo dzekoroni; Iwe wakanwa waini yeropa ramazambiringa.
Shona 2009?
Nomukaka wakafa wemhou, nomukaka wamakwai, Pamwechete namafuta amakwayana, Namakondobwe orudzi rwapaBhashani, nembudzi, Namafuta etsvo dzekoroni; Iwe wakamwa waini yeropa ramazambiringa.
Shona SUB 2002 Bible
Nomukaka wakafa wemhou, nomukaka wamakwai, Pamwechete namafuta amakwayana, Namakondohwe orudzi rwapaBhashani, nembudzi, Namafuta etsvo dzekoroni; Iwe wakanwa waini yeropa ramazambiringa.