Deuteronomy 32:24 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋacawonda nenzara, nokuparadzwa nokupisa kukuru, Nokuparadzwa kwakaiȿo‐ipa; Ndicatuma meno eɀikara kwaʋari, Pamŋe cete nomuti unoʋuraya weɀinokambaira muguruʋa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ndichatumira nzara inoondesa pamusoro pavo, nokuparadza kunopisa zvikuru nedenda rakaipisisa; ndichatumira meno ezvikara zvesango kwavari, uturu hwenyoka dzomuguruva.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vachasara vaondoroka nenzara, vachaparadzwa nedenda rokupisa muviri. Vachapera nezvirwere zvinouraya, ndichavatumira zvikara zvinoruma; nenyoka dzinozvongonyoka napasi dzine uturu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vachaonda nenzara, nokuparadzwa nokupisa kukuru, Nokuparadzwa kwakaisvoipa; Ndichatuma meno ezvikara kwavari, Pamwechete nomuti unouraya wezvinokambaira muguruva.
Shona 2009?
Vachaonda nenzara, nokuparadzwa nokupisa kukuru, Nokuparadzwa kwakaisvoipa; Ndichatuma meno ezvikara kwavari, Pamwechete nomuti unouraya wezvinokambaira muguruva.
Shona SUB 2002 Bible
Vachaonda nenzara, nokuparadzwa nokupisa kukuru, Nokuparadzwa kwakaisvoipa; Ndichatuma meno ezvikara kwavari, Pamwechete nomuti unouraya wezvinokambaira muguruva.