Deuteronomy 32:35 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kutsiʋa ndokwaŋgu, nokutsiʋidza, Paŋguʋa yokutedzemuka kwetsoka dzaʋo; Nokuti zuʋa renjodzi yaʋo riri pedyo, Neɀinhu ɀicaʋawira ɀicakurumidza kuʋuya.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kutsiva ndokwangu; ndichatsiva. Nenguva yakafanira tsoka dzavo dzichatedzemuka; zuva renjodzi yavo rava pedyo uye kuparadzwa kwavo kunokurumidza kuuya pamusoro pavo.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kutsiva ndokwangu, kudzosera ndokwangu. Nguva ichasvika yokuti rutsoka rwavo rwutsvedzemuke, nokuti zuva renjodzi yavo rava kusvika, kuparara kwavo kuchaitika nokukurumidza.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Kutsiva ndokwangu, nokutsividza, Panguva yokutedzemuka kwetsoka dzavo; Nokuti zuva renjodzi yavo riri pedyo, Nezvinhu zvichavawira zvichakurumidza kuuya.
Shona 2009?
Kutsiva ndokwangu, nokutsividza, Panguva yokutedzemuka kwetsoka dzavo; Nokuti zuva renjodzi yavo riri pedo, Nezvinhu zvichavawira zvichakurumidza kuuya.
Shona SUB 2002 Bible
Kutsiva ndokwangu, nokutsividza, Panguva yokutedzemuka kwetsoka dzavo; Nokuti zuva renjodzi yavo riri pedyo, Nezvinhu zvichavawira zvichakurumidza kuuya.