Deuteronomy 32:36 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti Jehova ucaruramisira ʋanhu ʋake, Nokunzwira ʋaranda ʋake tsitsi, Kana aciʋona kuti simba raʋo raenda, Ʋuye kuti ʋapera ʋose,
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Jehovha achatonga vanhu vake uye achanzwira tsitsi varanda vake, paanoona simba ravo rapera uye pasina asara, akatapwa kana asina.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi Tenzi achanunura vanhu vake, achanzwira tsitsi varanda vake, vakatapwa kana vasina paanenge aona kuti varukutika havachisina simba, havachaziva chokuita.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti Jehovha ucharuramisira vanhu vake, Nokunzwira varanda vake tsitsi, Kana achiona kuti simba ravo raenda, Uye kuti vapera vose,
Shona 2009?
Nokuti Jehovha ucharuramisira vanhu vake, Nokunzwira varanda vake tsitsi, Kana achiona kuti simba ravo raenda, Uye kuti vapera vose,
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti Jehovha uchachenura vanhu vake, Nokunzwira varanda vake tsitsi, Kana achiona kuti simba ravo raenda, Uye kuti vapera vose,