Deuteronomy 32:47 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti hacizi cinhu cisinamaturo kwamuri, asi ndibgo ʋupenyu bgenyu; necinhu ici mucawedzera mazuʋa enyu panyika, yamunoyambuka Joridani kwairi, kuti iʋe yenyu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Haasi mashoko asina maturo kwamuri, asi kuti ndihwo upenyu hwenyu. Namashoko aya muchararama mazuva mazhinji munyika yamuri kuyambuka Jorodhani kuti muitore.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndinodaro nokuti haasi mashoko asina maturo, asi ndiwo upenyu hwenyu. Mashoko iwaya ndiwo achakuraramisai kwenguva ndefu munyika yamuri kuyambukira Jorodhani kundotora kuti ive yenyu.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti hachizi chinhu chisina maturo kwamuri, asi ndihwo upenyu hwenyu; nechinhu ichi muchawedzera mazuva enyu panyika, yamunoyambuka Jorodhani kwairi, kuti ive yenyu.”
Shona 2009?
Nokuti hachizi chinhu chisina maturo kwamuri, asi ndihwo upenyu bwenyu; nechinhu ichi muchawedzera mazuva enyu panyika, yamunoyambuka Jorodhani kwairi, kuti ive yenyu."
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti hachizi chinhu chisina maturo kwamuri, asi ndihwo upenyu hwenyu; nechinhu ichi muchawedzera mazuva enyu panyika, yamunoyambuka Jodhani kwairi, kuti ive yenyu.”