Deuteronomy 33:7 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kuropafadzwa kwaJuda ndiko: Akati: Inzwai Jehova inzwi raJuda, Mumuȿitse kuʋanhu ʋake; Wakaʋarwira namaʋoko ake; Imi mucamuɓatsira kurwa naʋaʋeŋgi ʋake.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Uye izvi ndizvo zvaakataura pamusoro paJudha: “Inzwai, imi Jehovha, kuchema kwaJudha; muuyisei kuvanhu vake. Namaoko ake acharwira mhaka yake. Haiwa, ivai mubatsiri wake pavavengi vake!”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Akakomborera Judha achiti, “Tenzi inzwai waro chichemo chaJudha. Mumuunze kwakare kuvanhu vokwake. Murwirei imi Tenzi noruoko rwenyu.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Kuropafadzwa kwaJudha ndiko”: Akati, “Inzwai Jehovha izwi raJudha, Mumusvitse kuvanhu vake; Wakavarwira namaoko ake; Imi muchamubatsira kurwa navavengi vake.”
Shona 2009?
Kuropafadzwa kwaJudha ndiko": Akati, "Inzwai Jehovha inzwi raJudha, Mumusvitse kuvanhu vake; Wakavarwira namaoko ake; imwi muchamubatsira kurwa navavengi vake."
Shona SUB 2002 Bible
Kuropafadzwa kwaJudha ndiko”: Akati, “Inzwai Jehovha izwi raJudha, Mumusvitse kuvanhu vake; Wakavarwira namaoko ake; Imi muchamubatsira kurwa navavengi vake.”