Deuteronomy 34:6 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Akamuʋiga pamupata panyika yaMoabi, pakatarisana neBeti‐peori; asi hapanomunhu unoziʋa rinda rake kuȿikira nhasi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Akamuviga muMoabhu, mumipata wakatarisana neBheti Peori, kusvikira nanhasi hapana anoziva pane guva rake.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Akamuviga mubani munyika yeMoabhu pakatarisana neBhetipeori. Asi hakuna anoziva nzvimbo yaakavigwa kusvikira nhasi uno.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akamuviga pamupata panyika yaMoabhu, pakatarisana neBheti-peori; asi hapana munhu unoziva rinda rake kusvikira nhasi.
Shona 2009?
Akamuviga pamupata panyika yaMoabhu, pakatarisana neBheti-peori, asi hapana munhu unoziva rinda rake kusvikira nhasi.
Shona SUB 2002 Bible
Akamuviga pamupata panyika yaMoabhu, pakatarisana neBheti–peori; asi hapana munhu unoziva rinda rake kusvikira nhasi.