Deuteronomy 34:9 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Joshua, mŋanakomana waNuni, wakaŋga azere nomŋeya wokucenjera; nokuti Mosesi wakaŋga aisa maʋoko ake pamsoro pake; ʋana ʋaIsraeri ʋakamuterera, ʋakaita seɀakarairwa Mosesi naJehova.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvino Joshua mwanakomana waNuni akanga azere nomweya wouchenjeri nokuti Mozisi akanga aisa maoko ake pamusoro pake. Saka naizvozvo vaIsraeri vakamuteerera uye vakaita zvakanga zvarayirwa Mozisi naJehovha.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvino Joshuwa mwanakomana waNuni aiva azere nomweya woungwaru nokuti Mosesi akanga aisa maoko ake pamusoro wake. VaIsiraeri vaimuteerera vachiita zvakanga zvataurirwa Mosesi naTenzi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Joshua, mwanakomana waNuni, wakanga azere nomweya wokuchenjera; nokuti Mosesi wakanga aisa maoko ake pamusoro pake; vana vaIsiraeri vakamuterera, vakaita sezvakarairwa Mosesi naJehovha.
Shona 2009?
Zvino Joshua, mwanakomana waNuni, wakanga azere nomweya wokuchenjera; nokuti Mozisi wakanga aisa maoko ake pamusoro pake; vana vaIsiraeri vakamuteerera, vakaita sezvakarairwa Mozisi naJehovha.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Joshua, mwanakomana waNuni, wakanga azere nomweya wokuchenjera; nokuti Mosesi wakanga aisa maoko ake pamusoro pake; vana VaIsiraeri vakamuteerera, vakaita sezvakarairwa Mosesi naJehovha.