Deuteronomy 4:1 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino imi ʋana ʋaIsraeri, tererai ɀakatemŋa neɀakatoŋgwa, ɀandinokudzidzisai, kuti muɀiite; kuti murarame, mupinde mutore nyika, yamunopiwa naJehova, Mŋari wamadziɓaɓa enyu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Teererai zvino, imi vaIsraeri, mitemo nemirayiro yandava kukudzidzisai. Muitevere kuti murarame uye mugopinda mugotora nyika iyo munopiwa naJehovha, Mwari wamadzibaba enyu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mosesi akati, “Imi vaIsiraeri, chinzwai zvino mitemo nemirao yandava kukudzidzisai kuti muichengete, mugorarama. Ndiko kuti muyambuke mutore nyika yamuri kupiwa naTenzi Mwari wamadzibaba enyu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Zvino imi vana vaIsiraeri, tererai zvakatemwa nezvakatongwa, zvandinokudzidzisai, kuti muzviite; kuti murarame, mupinde mutore nyika, yamunopiwa naJehovha, Mwari wamadzibaba enyu.
Shona 2009?
Zvino imwi vana vaIsiraeri, teererai zvakatemwa nezvakatongwa, zvandinokudzidzisai, kuti muzviite; kuti murarame, mupinde mutore nyika, yamunopiwa naJehovha, Mwari wamadzibaba enyu.
Shona SUB 2002 Bible
“Zvino imi vana VaIsiraeri, tererai zvakatemwa nezvakatongwa, zvandinokudzidzisai, kuti muzviite; kuti murarame, mupinde mutore nyika, yamunopiwa naJehovha, Mwari wamadzibaba enyu.