Deuteronomy 4:10 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
musi wamakaŋga mumire pamberi paJehova Mŋari wenyu paHorebi, musi Jehova waakati kwandiri: Ndiʋuŋganidzire ʋanhu, ndiʋaʋudze mashoko aŋgu, kuti ʋadzidze kunditya mazuʋa ose aʋacagara panyika, ʋagodzidzisa ʋana ʋaʋo ʋo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Murangarire zuva ramakamira pamberi paJehovha Mwari wenyu paHorebhu, paakati kwandiri, “Unganidza vanhu pamberi pangu kuti vanzwe mashoko angu vagodzidza kunditya mazuva ose avachagara panyika uye kuti vagozoadzidzisa kuvana vavo.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
nezvezuva riya ramakamira pamberi paTenzi Mwari wenyu pagomo reHorebhu. Tenzi akanditi, ‘Ndiunganidzire vanhu. Ndinoda kuvaudza mashoko angu kuti vadzidze kunditya upenyu hwavo hwose vagodzidzisawo vana vavo kuitawo saizvozvo.’
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
musi wamakanga mumire pamberi paJehovha Mwari wenyu paHorebhu, musi Jehovha waakati kwandiri, ‘Ndiunganidzire vanhu, ndivaudze mashoko angu, kuti vadzidze kunditya mazuva ose avachagara panyika, vagodzidzisa vana vavowo.’
Shona 2009?
musi wamakanga mumire pamberi paJehovha Mwari wenyu paHorebhu, musi Jehovha waakati kwandiri, `Ndiunganidzire vanhu, ndivaudze mashoko angu, kuti vadzidze kunditya mazuva ose avachagara panyika, vagodzidzisa vana vavowo.'
Shona SUB 2002 Bible
musi wamakanga mumire pamberi paJehovha Mwari wenyu paHorebhu, musi Jehovha waakati kwandiri, ‘Ndiunganidzire vanhu, ndivaudze mashoko angu, kuti vadzidze kunditya mazuva ose avachagara panyika, vagodzidzisa vana vavowo.’