Deuteronomy 4:11 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Imi mukasweɗera, mukamira pajiŋga pegomo; gomo rikapfuta nomŋoto kuȿikira pakati peɗeŋga, pamŋe cete nerima, negore, nokuȿiɓa kukuru.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Makaswedera mukamira pajinga pegomo, gomo paraipfuta nomoto waisvika kumatenga chaiko, pamwe chete nemakore matema nerima guru.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Imi makaswedera pedyo, mukasvikomira mujinga megomo rainganduma moto une murazvo waisvika mudengadenga, iro gomo rakati kwirindindi, rakaputirwa negore rakasviba kuti ndoo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Imi mukaswedera, mukamira pajinga pegomo; gomo rikapfuta nomoto kusvikira pakati pedenga, pamwechete nerima, negore, nokusviba kukuru.
Shona 2009?
"imwi mukaswedera, mukamira pajinga pegomo; gomo rikapfuta nomoto kusvikira pakati pedenga, pamwechete nerima, negore, nokusviba kukuru.
Shona SUB 2002 Bible
“Imi mukaswedera, mukamira pajinga pegomo; gomo rikapfuta nomoto kusvikira pakati pedenga, pamwechete nerima, negore, nokusviba kukuru.