Deuteronomy 4:14 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Neŋguʋa iyo Jehova akandiraira, kuti ndikudzidzisei ɀakatemŋa neɀakatoŋgwa, kuti mundoɀiita panyika iyo, kwamunoenda, kuzoiita yenyu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvino Jehovha akanditungamirira panguva iyo kuti ndikudzidzisei mitemo nemirayiro yamunofanira kundotevera munyika iyo yamunoyambukira Jorodhani kuti ive yenyu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Panguva iyoyo Tenzi akandiudza kuti ndikudzidzisei mitemo nemirao yamunofanira kuchengeta munyika yamava kuyambukira kundotora kuiita yenyu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nenguva iyo Jehovha akandiraira, kuti ndikudzidzisei zvakatemwa nezvakatongwa, kuti mundozviita panyika iyo, kwamunoenda, kuzoiita yenyu.
Shona 2009?
Nenguva iyo Jehovha akandiraira, kuti ndikudzidzisei zvakatemwa nezvakatongwa, kuti mundozviita panyika iyo, kwamunoenda, kuzoiita yenyu.
Shona SUB 2002 Bible
Nenguva iyo Jehovha akandiraira, kuti ndikudzidzisei zvakatemwa nezvakatongwa, kuti mundozviita panyika iyo, kwamunoenda, kuzoiita yenyu.