Deuteronomy 4:19 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
kuti murege kusimudzira meso enyu kuɗeŋga, ɀino kana muciʋona zuʋa nomŋedzi nenyeredzi, hondo yose yokuɗeŋga, mukatsauswa mukanamata kwaɀiri nokuɀishumira, iɀo ɀakagoʋerwa ndudzi dzose dziri pasi peɗeŋga naJehova Mŋari wenyu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Uye kuti kana muchitarisa kudenga mukaona zuva, nomwedzi nenyeredzi, zvose zviri kudenga, musatsauswa kuti muzvipfugamire nokunamata zvinhu izvo Jehovha Mwari wenyu akagovera ndudzi dzose dziri pasi pedenga.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ngwarirai kuti, mungazoti kana matarisa mudenga mukaona zuva nomwedzi nenyenyedzi negurusvusvu radzo mudenga umu, motorwa mwoyo, moda kuzvipfugamira nokuzvinamata, izvo zviri zvinhu zvakapiwa ndudzi dzose dziri pasi pedenga.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
kuti murege kusimudzira meso enyu kudenga, zvino kana muchiona zuva nomwedzi nenyeredzi, hondo yose yokudenga, mukatsautswa mukanamata kwazviri nokuzvishumira, izvo zvakagoverwa ndudzi dzose dziri pasi pedenga naJehovha Mwari wenyu.
Shona 2009?
kuti murege kusimudzira meso enyu kudenga, zvino kana muchiona zuva nomwedzi nenyeredzi, hondo yose yokudenga, mukatsauswa mukanamata kwazviri nokuzvishumira, izvo zvakagoverwa ndudzi dzose dziri pasi pedenga naJehovha Mwari wenyu.
Shona SUB 2002 Bible
kuti murege kusimudzira meso enyu kudenga, zvino kana muchiona zuva nomwedzi nenyenyedzi, hondo yose yokudenga, mukatsautswa mukanamata kwazviri nokuzvishumira, izvo zvakagoverwa ndudzi dzose dziri pasi pedenga naJehovha Mwari wenyu.