Deuteronomy 4:21 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Jehova akanditsamŋira ʋo nokuɗa kwenyu, akapika kuti ini handiŋgayambuki Joridani, ndipinde munyika iyo yakanaka, yamunopiwa naJehova Mŋari wenyu, kuti iʋe yenyu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Jehovha akanditsamwira nokuda kwenyu, uye akapika kuti handingayambuki Jorodhani nokupinda munyika yakanaka iyo munopiwa naJehovha Mwari wenyu kuti ive nhaka yenyu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Uye Tenzi akandishatirirwa nokuda kwenyu akandipikira kuti handizoyambuki Jorodhani ndichipinda munyika yakanaka yamuri kupiwa naTenzi Mwari wenyu kuti ive nhaka yenyu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Jehovha akanditsamwirawo nokuda kwenyu, akapika kuti ini handingayambuki Jorodhani, ndipinde munyika iyo yakanaka, yamunopiwa naJehovha Mwari wenyu, kuti ive yenyu.
Shona 2009?
Jehovha akanditsamwirawo nokuda kwenyu, akapika kuti ini handingayambuki Jorodhani, ndipinde munyika iyo yakanaka, yamunopiwa naJehovha Mwari wenyu, kuti ive yenyu.
Shona SUB 2002 Bible
Jehovha akanditsamwirawo nokuda kwenyu, akapika kuti ini handingayambuki Jodhani, ndipinde munyika iyo yakanaka, yamunopiwa naJehovha Mwari wenyu, kuti ive yenyu.