Deuteronomy 4:30 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino kana uri munjodzi, ɀinhu iɀi ɀose ɀakuwira, pamazuʋa okupedzisira ucadzokera kunaJehova Mŋari wako, ukaterera inzwi rake.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kana muchinge matambudzika uye zvinhu zvose izvi zvaitika kwamuri, ipapo pamazuva achatevera muchadzoka kuna Jehovha Mwari wenyu mugomuteerera.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kana mava mumatambudziko, zvose izvozvi zvakuwanai muchadzokera zvenyu kuna Tenzi Mwari wenyu moteerera izwi rake
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino kana uri munjodzi, zvinhu izvi zvose zvakuwira, pamazuva okupedzisira uchadzokera kuna Jehovha Mwari wako, ukaterera izwi rake.
Shona 2009?
Zvino kana uri munjodzi, zvinhu izvi zvose zvakuwira, pamazuva okupedzisira uchadzokera kuna Jehovha Mwari wako, ukateerera inzwi rake.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino kana uri munjodzi, zvinhu izvi zvose zvakuwira, pamazuva okupedzisira uchadzokera kuna Jehovha Mwari wako, ukateerera izwi rake.