Deuteronomy 4:32 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti bvunzai henyu ɀino pamazuʋa akapfuʋura, imi musati maʋa’po, kubva pazuʋa rokusikwa kwaʋanhu panyika naMŋari, kubva panorumŋe rutiʋi rweɗeŋga kuȿikira kunorumŋe, kana kwaimboʋa’po cinhu cikuru cakaɗai, kunyaŋge kumbonzwika cakaɗai?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Bvunzai zvino pamusoro pamazuva akapfuura kare imi musati mavapo, kubva nezuva iro Mwari akasika munhu panyika; bvunzai kubva kuno rumwe rutivi rwedenga kusvikira kuno rumwe. Kune chinhu chakamboitika chakakura seichi here, kana chimwe chakafanana nacho chakambonzwika?
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Imbobvunzaiwo zvepasi chigare, pamakange musati maberekwa kubvira pazuva rakasika Tenzi, munhu panyika. Bvunzai kubvira kumugumo mumwe wenyika kusvikira kune mumwe kana kwakamboitika kana kunzwika chinhu chakadai.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Nokuti bvunzai henyu zvino pamazuva akapfuura, imi musati mavapo, kubva pazuva rokusikwa kwavanhu panyika naMwari, kubva panorumwe rutivi rwedenga kusvikira kuno rumwe, kana kwaimbovapo chinhu chikuru chakadai, kunyange kumbonzwika chakadai?
Shona 2009?
"Nokuti bvunzai henyu zvino pamazuva akapfuura, imwi musati mavapo, kubva pazuva rokusikwa kwavanhu panyika naMwari, kubva panorumwe rutivi rwedenga kusvikira kuno rumwe, kana kwaimbovapo chinhu chikuru chakadai, kunyange kumbonzwika chakadai?
Shona SUB 2002 Bible
“Nokuti bvunzai henyu zvino pamazuva akapfuura, imi musati mavapo, kubva pazuva rokusikwa kwavanhu panyika naMwari, kubva panorumwe rutivi rwedenga kusvikira kuno rumwe, kana kwaimbovapo chinhu chikuru chakadai, kunyangwe kumbonzwika chakadai?