Deuteronomy 4:46 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
ʋari kumabvazuʋa kwaJoridani, pamupata wakatarisana neBeti‐peori, munyika yaSihoni, mambo waʋaAmori, wakaŋga agere Heshboni, iye wakakundwa naMosesi naʋana ʋaIsraeri, pakuɓuɗa kwaʋo Egipita;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
uye vari kumabvazuva kwaJorodhani mumupata uri pedyo neBheti Peori, munyika yaSihoni mambo wavaAmori, aitonga muHeshibhoni uyo akakundwa navaIsraeri pavakabuda muIjipiti.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Izvozvi vakanga vari mhiri kwaJorodhani mubani rakatarisana neBhetipeori munyika yaSihoni, mambo wavaAmori aigara kuHeshibhoni. Ndiye uya akakurirwa naMosesi navaIsiraeri pavakabva kuIjipiti.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
vari kumabvazuva kwaJorodhani, pamupata wakatarisana neBheti-peori, munyika yaSihoni, mambo wavaAmori, wakanga agere Heshibhoni, iye wakakundwa naMosesi navana vaIsiraeri, pakubuda kwavo Ijipiti;
Shona 2009?
vari kumabvazuva kwaJorodhani, pamupata wakatarisana neBheti-peori, munyika yaSihoni, mambo wavaAmori, wakanga agere Heshibhoni, iye wakakundwa naMozisi navana vaIsiraeri, pakubuda kwavo Ijipiti;
Shona SUB 2002 Bible
vari kumabvazuva kwaJodhani, pamupata wakatarisana neBheti–peori, munyika yaSihoni, mambo waVaAmori, wakanga agere Heshibhoni, iye wakakundwa naMosesi navana VaIsiraeri, pakubuda kwavo Ijipiti;