Deuteronomy 4:6 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Naiɀoɀo muceŋgete iɀoɀo, muɀiite; nokuti ndiko kucenjera kwenyu nokuŋgwara kwenyu pamberi paʋanhu ʋacanzwa ɀose iɀi ɀakatemŋa, ʋaciti: Ɀirokwaɀo, rudzi urwu rukuru ndiʋanhu ʋakacenjera ʋakaŋgwara.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Muichengete zvakanaka, nokuti izvi zvicharatidza uchenjeri nokunzwisisa kwenyu kundudzi dzichanzwa pamusoro pemitemo iyi yose uye vachati, “Zvirokwazvo rudzi urwu rukuru, vanhu vakachenjera uye vanonzwisisa.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Iteererei muichengete nokuti kwamuri, ndihwo ungwaru nokunzwisisa kune ndudzi dzavanhu vachakuonai. Pavachanzwa mitemo iyoyi vachati, ‘Chokwadi rudzi urwu rudzi rukuru, rwavanhu vakangwara vanonzwisisa.’
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Naizvozvo muchengete izvozvo, muzviite; nokuti ndiko kuchenjera kwenyu nokungwara kwenyu pamberi pavanhu vachanzwa zvose izvi zvakatemwa, vachiti, ‘Zvirokwazvo, rudzi urwu rukuru ndivanhu vakachenjera vakangwara.’
Shona 2009?
Naizvozvo muchengete izvozvo, muzviite; nokuti ndiko kuchenjera kwenyu nokungwara kwenyu pamberi pavanhu vachanzwa zvose izvi zvakatemwa, vachiti, Zvirokwazvo, rudzi urwu rukuru ndivanhu vakachenjera vakangwara.'
Shona SUB 2002 Bible
Naizvozvo muchengete izvozvo, muzviite; nokuti ndiko kuchenjera kwenyu nokungwara kwenyu pamberi pavanhu vachanzwa zvose izvi zvakatemwa, vachiti, ‘Zvirokwazvo, rudzi urwu rukuru ndivanhu vakachenjera vakangwara.’