Deuteronomy 4:9 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi ɀicenjererei, mushiŋgaire kuceŋgeta mŋeya yenyu, kuti murege kukaŋganwa ɀinhu ɀamakaʋona nameso enyu, ɀirege kuzobva pamŋoyo yenyu mazuʋa ose oʋupenyu bgenyu; asi munofanira kuɀiziʋisa ʋana ʋenyu naʋana ʋaʋana ʋenyu;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi zvichenjererei, mugonyatsozvichengetedza kuitira kuti murege kukanganwa zvinhu zvakaonekwa nameso enyu kana kuzvirega zvichibuda mumwoyo menyu mazuva ose oupenyu hwenyu. Muzvidzidzise nokuvana venyu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Chasara kwamuri ndechichi, chingwarirai kuti murege kukanganwa muupenyu hwenyu hwose, zvamakaona zvirege kubuda muhana dzenyu. Taurirai vana venyu navana vavana venyu
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi zvichenjererei, mushingaire kuchengeta mweya yenyu, kuti murege kukanganwa zvinhu zvamakona nameso enyu, zvirege kuzobva pamwoyo yenyu mazuva ose oupenyu hwenyu; asi munofanira kuzvizivisa vana venyu navana vavana venyu;
Shona 2009?
Asi zvichenjererei, mushingaire kuchengeta mweya yenyu, kuti murege kukangamwa zvinhu zvamakaona nameso enyu, zvirege kuzobva pamoyo yenyu mazuva ose oupenyu hwenyu; asi munofanira kuzvizivisa vana venyu navana vavana venyu;
Shona SUB 2002 Bible
Asi zvichenjererei, mushingaire kuchengeta mweya yenyu, kuti murege kukanganwa zvinhu zvamakona nameso enyu, zvirege kuzobva pamwoyo yenyu mazuva ose oupenyu hwenyu; asi munofanira kuzvizivisa vana venyu navana vavana venyu;