Deuteronomy 5:15 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Unofanira kuraŋgarira kuti newe ʋo waiʋa muranda panyika yeEgipita, Jehova Mŋari wako akakuɓuɗisa necanza cinesimba noruʋoko rwakatambanudzwa; naiɀoɀo Jehova Mŋari wako wakakuraira kuti uceŋgete zuʋa resaɓata.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Murangarire kuti imi maimbova varanda munyika yeIjipiti uye kuti Jehovha Mwari wenyu akakubudisai nechanza chine simba noruoko rwakatambanudzwa. Naizvozvo Jehovha Mwari wako anokurayira kuti uchengete zuva reSabata.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Rangarira kuti iwe waiva muranda munyika yeIjipiti, Tenzi Mwari wako akakubudisamo noukuru hwake nesimba rake guru. Naizvozvo Tenzi Mwari wako akakuudza kuti uchengete Sabata.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Unofanira kurangarira kuti newewo waiva muranda panyika yeIjipiti, Jehovha Mwari wako akakubudisa nechanza chine simba noruoko rwakatambanudzwa; naizvozvo Jehovha Mwari wako wakakuraira kuti uchengete zuva reSabata.
Shona 2009?
Unofanira kurangarira kuti newewo waiva muranda panyika Jehovha Mwari wako akakubudisa nechanza chine simba noruoko rwakatambanudzwa; naizvozvo Jehovha Mwari wako wakakuraira kuti uchengete zuva reSabata.
Shona SUB 2002 Bible
Unofanira kurangarira kuti newewo waiva muranda panyika yeIjipiti, Jehovha Mwari wako akakubudisa nechanza chine simba noruoko rwakatambanudzwa; naizvozvo Jehovha Mwari wako wakakuraira kuti uchengete zuva reSabata.