Deuteronomy 5:22 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Jehova wakataura mashoko awa ose pagomo kuʋuŋgano yenyu yose, ari mukati momŋoto negore, nokuȿiɓa kukuru, nenzwi guru; haana‐kuwedzera mamŋe. Akaanyora pamahwendefa maʋiri amabge, akandipa iwo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Iyi ndiyo mirayiro yakataurwa naJehovha nenzwi guru kuungano yenyu yose pagomo paya ari mukati memoto, mugore nerima guru, uye haana kuwedzera mamwe. Ipapo akaanyora pamahwendefa maviri amabwe ndokuapa kwandiri.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mitemo iyoyi Tenzi akaitaura nezwi rake guru kugungano renyu rose ari mukati memoto negore riya rakanga rakasviba kuti ndoo, haana kuenderera mberi. Akainyora pamafendefa maviri emabwe, akandipa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Jehovha wakataura mashoko awa ose pagomo kuungano yenyu yose, ari mukati momoto negore, nokusviba kukuru, nezwi guru; haana kuwedzera mamwe. Akaanyora pamahwendefa maviri amabwe, akandipa iwo.
Shona 2009?
Jehovha wakataura mashoko awa ose pagomo kuungano yenyu yose, ari mukati memoto negore, nokusviba kukuru, nenzwi guru; haana kuwedzera mamwe. Akaanyora pamabwendefa maviri amabwe, akandipa iwo.
Shona SUB 2002 Bible
Jehovha akataura mashoko aya ose pagomo kuungano yenyu yose, ari mukati momoto negore, nokusviba kukuru, nezwi guru; haana kuwedzera mamwe. Akaanyora pamahwendefa maviri amabwe, akandipa iwo.