Deuteronomy 5:24 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
mukati: Tarirai, Jehova Mŋari weɗu watiratidza kubginya kwake noʋukuru bgake, tikanzwa inzwi rake ricibva mumŋoto; taʋona heɗu nhasi kuti Mŋari uŋgataura nomunhu, akararama hake.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Uye makati, “Jehovha Mwari wedu atiratidza kubwinya kwake noukuru hwake, tikanzwa inzwi rake richibva mumoto. Nhasi taona kuti munhu anogona kurarama kunyange dai Mwari akataura naye.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
mukati, ‘Tarisai muone kuti Tenzi Mwari wedu aratidza mbiri yake noukuru hwake. Tanzwa izwi rake richibva mukati memoto, tikabva tazvionera nhasi kuti Mwari anogona kutaura nomunhu, munhu agokwanisa kuramba ari mupenyu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
mukati, ‘Tarirai, Jehovha Mwari wedu watiratidza kubwinya kwake noukuru hwake, tikanzwa izwi rake richibva mumoto; taona hedu nhasi kuti Mwari ungataura nomunhu, akararama hake.
Shona 2009?
mukati, `Tarirai, Jehovha Mwari wedu watiratidza kubwinya kwake noukuru hwake, tikanzwa inzwi rake richibva mumoto; taona hedu nhasi kuti Mwari ungataura nomunhu, akararama hake.
Shona SUB 2002 Bible
mukati, ‘Tarirai, Jehovha Mwari wedu watiratidza kubwinya kwake noukuru hwake, tikanzwa izwi rake richibva mumoto; taona hedu nhasi kuti Mwari ungataura nomunhu, akararama hake.