Deuteronomy 5:25 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Naiɀoɀo ɀino ticafireiko? Nokuti mŋoto uyu mukuru ucatiparadza; kana tikaramba ticinzwa inzwi raJehova Mŋari weɗu ticafa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi zvino, tingafireiko? Uyu moto mukuru uchatiparadza, uye tichafa kana tikaramba tichinzwa inzwi raJehovha Mwari wedu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvino tofireiko? Moto mukuru iwoyu uchatiroromesa, kana tikazonzwazve izwi raTenzi Mwari wedu tinofa
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Naizvozvo zvino tichafireiko? Nokuti moto uyu mukuru uchatiparadza; kana tikaramba tichinzwa izwi raJehovha Mwari wedu tichafa.
Shona 2009?
Naizvozvo zvino tichafireiko? Nokuti moto uyu mukuru uchatiparadza, kana tikaramba tichinzwa inzwi raJehovha Mwari wedu tichafa.
Shona SUB 2002 Bible
Naizvozvo zvino tichafireiko? Nokuti moto uyu mukuru uchatiparadza; kana tikaramba tichinzwa izwi raJehovha Mwari wedu tichafa.