Deuteronomy 5:28 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Jehova akanzwa inzwi ramashoko enyu, ŋguʋa yamakataura neni; Jehova akati kwandiri: Ndanzwa inzwi ramashoko aʋanhu aʋa, aʋakataura newe; ɀose ɀaʋakareʋa ʋakataura haʋo ɀakanaka.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Jehovha akakunzwai pamakataura kwandiri uye Jehovha akati kwandiri, “Ndanzwa zvataurwa navanhu kwauri. Zvose zvavataura zvakanaka.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Tenzi paakanzwa zvamakareva, akati kwandiri, ‘Zvataurwa navanhu ava ndazvinzwa. Zvavataura kwauri zvose zvakanaka,
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Jehovha akanzwa izwi ramashoko enyu, nguva yamakataura neni; Jehovha akati kwandiri, ‘Ndanzwa izwi ramashoko avanhu ava, avakataura newe; zvose zvavakareva vakataura havo zvakanaka.
Shona 2009?
Zvino Jehovha akanzwa inzwi ramashoko enyu, nguva yamakataura neni; Jehovha akati kwandiri, `Ndanzwa inzwi ramashoko avanhu ava, avakataura newe; zvose zvavakareva vakataura havo zvakanaka.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Jehovha akanzwa izwi ramashoko enyu, nguva yamakataura neni; Jehovha akati kwandiri, ‘Ndanzwa izwi ramashoko avanhu ava, avakataura newe; zvose zvavakareva vakataura havo zvakanaka.