Deuteronomy 6:10 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino kana Jehova Mŋari wako aciŋge akupinza munyika, yaakapikira madziɓaɓa ako, Abrahama, naIsaka, naJakobo, kuti ucakupa iyo, na maguta makuru akanaka, ausina‐kuʋaka iwe,
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvino kana Jehovha Mwari wenyu achinge akupinzai munyika yaakapikira kumadzibaba enyu, Abhurahama, naIsaka, naJakobho, kuti achakupai, nyika ina maguta makuru akanaka, amusina kuvaka imi,
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Tenzi Mwari wako paachazenge akuunza munyika yaakatsidzira kumadzibaba ako vanaAbhurahamu naIsaki naJakobho kuzokupa nyika ina maguta makuru akanaka amusina kumbovaka
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Zvino kana Jehovha Mwari wako achinge akupinza munyika, yaakapikira madzibaba ako, Abhurahamu, naIsaka, naJakobho, kuti uchakupa iyo, namaguta makuru akanaka, ausina kuvaka iwe,
Shona 2009?
"Zvino kana Jehovha Mwari wako achinge akupinza munyika, yaakapikira madzibaba ako, Abhurahamu, naIsaka, naJakobho, kuti uchakupa iyo, namaguta makuru akanaka, ausina kuvaka iwe,
Shona SUB 2002 Bible
“Zvino kana Jehovha Mwari wako achinge akupinza munyika, yaakapikira madzibaba ako, Abhurahamu, naIsaka, naJakobho, kuti uchakupa iyo, namaguta makuru akanaka, ausina kuvaka iwe,