Deuteronomy 7:12 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino kana muciterera iɀi ɀakatoŋgwa, mukaɀiceŋgeta nokuɀiita, Jehova Mŋari wako ucakusimbisira suŋgano yake nenyasha dzake seɀaakapikira madziɓaɓa ako;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kana mukanyatsoteerera mirayiro iyi uye mukachenjerera kuti muitevere, ipapo Jehovha Mwari wenyu achachengeta sungano yake yorudo nemi, sezvaakapika kumadzitateguru enyu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Zvino kana mukanzwa mirao iyoyi, mukaiteerera muchiichengeta, Tenzi Mwari wenyu achachengeta chitenderano chaakaita nemi, acharamba achikuitirai mwoyochena sokutsidzira kwaakaita madzitateguru enyu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Zvino kana muchiterera izvi zvakatongwa, mukazvichengeta nokuzviita, Jehovha Mwari wako achakusimbisira sungano yake nenyasha dzake sezvaakapikira madzibaba ako;
Shona 2009?
"Zvino kana muchiteerera izvi zvakatongwa, mukazvichengeta nokuzviita, Jehovha Mwari wako achakusimbisira sungano yake nenyasha dzake sezvaakapikira madzibaba ako;
Shona SUB 2002 Bible
“Zvino kana muchiterera izvi zvakatongwa, mukazvichengeta nokuzviita, Jehovha Mwari wako achakusimbisira sungano yake nenyasha dzake sezvaakapikira madzibaba ako;