Deuteronomy 7:15 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Jehova ucabvisa kwamuri hosha dzose; haaŋgatumiri kwamuri matenda akaipa eEgipita aunoziʋa, asi ucaatuma kuʋanhu ʋose ʋanokuʋeŋga.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Jehovha achakuchengetedzai kubva pahosha dzose. Haangaisi pamusoro penyu hosha dzakaipisa dzamaiziva muIjipiti, asi achadziisa pamusoro paavo vose vanokuvengai.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Tenzi achakudzivirirai kuzvirwere zvose. Zvirwere zvose zvokuIjipiti zviya zvamakaona haazoiti kuti zvikubatei. Asi achaita kuti zvibate vavengi venyu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Jehovha uchabvisa kwamuri hosha dzose; haangatumiri kwamuri matenda akaipa eIjipiti aunoziva, asi uchaatuma kuvanhu vose vanokuvenga.
Shona 2009?
Jehovha uchabvisa kwamuri hosha dzose; haangatumiri kwamuri matenda akaipa eIj ipiti aunoziva, asi uchaatuma kuvanhu vose vanokuvenga.
Shona SUB 2002 Bible
Jehovha uchabvisa kwamuri zvirwere zvose; haangatumiri kwamuri matenda akaipa eIjipiti aunoziva, asi uchaatuma kuvanhu vose vanokuvenga.