Deuteronomy 7:19 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
nemiidzo mikuru yamakaʋona nameso enyu, neɀiratidzo, neɀinoshamisa, necanza cinesimba, noruʋoko rwakatambanudzwa, ɀawakaɓuɗiswa naɀo naJehova Mŋari wako; ndiɀo ɀicaitira Jehova Mŋari wako ʋanhu ʋose ʋaunotya.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Makazviona nameso enyu matambudziko makuru, zviratidzo nezvishamiso, ruoko rune simba uye rwakatambanudzwa urwo Jehovha Mwari wenyu akakubudisai narwo. Jehovha Mwari wenyu achaita zvimwe chetezvo kumarudzi aya ose amava kutya zvino.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Imi nameso enyu, makaona zviedzo zvikuru nezviratidzo nezvishamiso zvakaitwa nesimba guru raTenzi Mwari wenyu paakakuburitsaimo. Ndizvo zvichaitwa naTenzi Mwari wenyu kumarudzi ose amuri kutya.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
nemiidzo mikuru yamakaona nameso enyu, nezviratidzo, nezvinoshamisa, neruoko rune simba, noruoko rwakatambanudzwa, zvawakabudiswa nazvo naJehovha Mwari wako; ndizvo zvichaitira Jehovha Mwari wako vanhu vose vaunotya.
Shona 2009?

Shona SUB 2002 Bible