Deuteronomy 7:2 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
kana Jehova Mŋari wako akaʋaisa mumaʋoko ako, ukaʋakunda, iwe unofanira kuʋaparadza cose; haufaniri kuita suŋgano naʋo, kana kuʋanzwira nyasha;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
uye kana Jehovha Mwari wenyu akavaisa mumaoko enyu akavakunda, ipapo munofanirwa kuvaparadza zvachose. Musaita chibvumirano navo, uye musavanzwira tsitsi.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kana Tenzi Mwari wenyu avaisa mumaoko enyu, mukavakunda, vaparadzei zvachose. Musaite chitenderano navo kana kuvanzwira tsitsi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
kana Jehovha Mwari wako akavaisa mumaoko ako, ukavakunda, iwe unofanira kuvaparadza chose; haufaniri kuita sungano navo, kana kuvanzwira nyasha;
Shona 2009?
kana Jehovha Mwari wako akavaisa mumaoko ako, ukavakunda, iwe unofanira kuvaparadza chose; haufaniri kuita sungano navo, kana kuvanzwira nyasha;
Shona SUB 2002 Bible
kana Jehovha Mwari wako akavaisa mumaoko ako, ukavakunda, iwe unofanira kuvaparadza chose; haufaniri kuita sungano navo, kana kuvanzwira nyasha;