Deuteronomy 7:25 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Munofanira kupisa mifananidzo yaʋo yakaʋezwa yaʋamŋari ʋaʋo; haufaniri kucocora sirveri kana ndarama iri paʋari, kana kuitora, kuti urege kuteyiwa naɀo; nokuti ɀinonyaŋgadza pamberi paJehova Mŋari wako;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvifananidzo zvavamwari vavo munofanira kuzvipisa. Musachiva sirivha kana negoridhe iri pazviri, uye musaitora kuti ive yenyu, nokuti ingava musungo kwamuri, nokuti inonyangadza kuna Jehovha Mwari wenyu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pisai nomoto zvifananidzo zvokuveza zvavamwari vavo. Musaite ruchiva nesirivha kana nendarama iri pazviri. Musaitore moita yenyu nokuti ingazova chinhu chokukuteyai, Tenzi Mwari wenyu haazvidi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Munofanira kupisa mifananidzo yavo yakavezwa yavamwari vavo; haufaniri kuchochora sirivha kana ndarama iri pavari, kana kuitora, kuti urege kuteyiwa nazvo; nokuti zvinonyangadza pamberi paJehovha Mwari wako;
Shona 2009?

Shona SUB 2002 Bible