Deuteronomy 7:8 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi nokuti Jehova unokuɗai, ʋuye nokuti wakaŋga aciɗa kusimbisa kupika kwaakapikira madziɓaɓa enyu, nokuɗa kwaiɀoɀo Jehova wakakuɓuɗisai necanza cinesimba, akakudzikinurai paimba yoʋuranda paruʋoko rwaFarao, mambo weEgipita.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi nokuda kwokuti Jehovha anokudai uye akachengeta mhiko yaakaita kumadzitateguru enyu nokuda kwaizvozvo akakubudisai noruoko rune simba uye akakudzikinurai kubva munyika youranda, kubva pasimba raFaro mambo weIjipiti.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi nokuti Tenzi anokudai, aidawo kuchengetedza chitsidzo chake chaakaita namadzitateguru enyu. Tenzi akakubudisai nesimba guru, akakununurai muuranda hwaFarao mambo weIjipiti.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi nokuti Jehovha unokudai, uye nokuti wakanga achida kusimbisa kupika kwaakapikira madzibaba enyu, nokuda kwaizvozvo Jehovha wakakubudisai neruoko rune simba, akakudzikinurai paimba youranda paruoko rwaFarao, mambo weIjipiti.
Shona 2009?
Asi nokuti Jehovha unokudai, uye nokuti wakanga achida kusimbisa kupika kwaakapikira madzibaba enyu, nokuda kwaizvozvo Jehovha wakakubudisai neruoko rune simba, akakudzikunurai paimba youranda paruoko rwaFarao, mambo weIjipiti.
Shona SUB 2002 Bible
Asi nokuti Jehovha unokudai, uye nokuti wakanga achida kusimbisa kupika kwaakapikira madzibaba enyu, nokuda kwaizvozvo Jehovha akakubudisai neruoko rune simba, akakudzikinurai paimba youranda paruoko rwaFarao, mambo weIjipiti.