Deuteronomy 7:9 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Naiɀoɀo uziʋe kuti Jehova Mŋari wako, ndiye Mŋari, Mŋari wakatendeka, unosimbisa suŋgano yake nenyasha dzake kunaʋanomuɗa, ʋanoceŋgeta mirairo yake kusikira kumarudzi anecuru camazana;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Naizvozvo zivai kuti Jehovha Mwari wenyu ndiMwari; iye ndiMwari akatendeka anochengeta sungano yake yorudo kusvikira kumarudzi ane chiuru chamarudzi kuna avo vanomuda uye vanochengeta mirayiro yake.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Naizvozvo zivai kuti Tenzi Mwari wenyu ndiye Mwari iyeyo. NdiTenzi akavimbika anochengetedza chitenderano chake, ane mwoyochena kune vanomuda, navanochengeta mitemo yake kusvikira kuzvizvarwa zvavo zvamazana akazanirana.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Naizvozvo uzive kuti Jehovha Mwari wako, ndiye Mwari, Mwari wakatendeka, anosimbisa sungano yake nenyasha dzake kuna vanomuda, vanochengeta mirairo yake kusvikira kumarudzi ane chiuru chamazana;
Shona 2009?
Naizvozvo uzive kuti Jehovha Mwari wako, ndiye Mwari, Mwari wakatendeka, anosimbisa sungano yake nenyasha dzake kuna vanomuda, vanochengeta mirairo yake kusvikira kumarudzi ane chiuru chamazana;
Shona SUB 2002 Bible
Naizvozvo uzive kuti Jehovha Mwari wako, ndiye Mwari, Mwari wakatendeka, anosimbisa sungano yake nenyasha dzake kuna vanomuda, vanochengeta mirairo yake kusvikira kumarudzi ane chiuru chamazana;