Deuteronomy 8:1 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Murairo wose wandinokuraira nhasi munofanira kucenjera kuti muuite, kuti mugorarama, nokuwanda, nokupinda munyika yakapikirwa madziɓaɓa enyu naJehova, muiite yenyu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Muchenjerere kutevera murayiro mumwe nomumwe, wandinokupai nhasi, kuitira kuti mugorarama mugowanda uye mugopinda nokutora nyika iyo Jehovha akavimbisa madzitateguru enyu nemhiko.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Ngwarirai kunyatsochengeta mitemo yose yandiri kukupai nhasi uno, kuti murarame, muwande, muzokwanisa kuenda kunyika yakatsidzirwa madzitateguru enyu naTenzi, mundoitora kuti ive yenyu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Murayiro wose wandinokuraira nhasi munofanira kuchenjera kuti muuite, kuti mugorarama, nokuwanda, nokupinda munyika yakapikirwa madzibaba enyu naJehovha, muiite yenyu.
Shona 2009?
"Murayiro wose wandinokurairai nhasi munofanira kuchenjera kuti muuite, kuti mugorarama, nokuwanda, nokupinda munyika yakapikirwa madzibaba enyu naJehovha, muiite yenyu.
Shona SUB 2002 Bible
“Murairo wose wandinokuraira nhasi munofanira kuchenjera kuti muuite, kuti mugorarama, nokuwanda, nokupinda munyika yakapikirwa madzibaba enyu naJehovha, muiite yenyu.