Deuteronomy 8:14 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
mŋoyo wako ukaɀikudza, ukakaŋganwa Jehova Mŋari wako, wakakuɓuɗisa panyika yeEgipita, paimba yoʋuranda;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
ipapo mwoyo wako uchazvikudza zvino uchakanganwa Jehovha Mwari wako, akakubudisa muIjipiti, kubva munyika youranda.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
wova nomwoyo wokuzvikudza, wokanganwa Tenzi Mwari wako akakuburitsa muIjipiti muuranda.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
mwoyo wako ukazvikudza, ukakanganwa Jehovha Mwari wako, wakakubudisa panyika yeIjipiti paimba youranda;
Shona 2009?
moyo wako ukazvikudza, ukakangamwa Jehovha Mwari wako, wakakubudisa panyika yeIjipiti paimba youranda;
Shona SUB 2002 Bible
mwoyo wako ukazvikudza, ukakanganwa Jehovha Mwari wako, wakakubudisa munyika yeIjipiti paimba youranda;