Deuteronomy 8:18 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi unofanira kuraŋgarira Jehova Mŋari wako, nokuti ndiye unokupa simba rokufuma; kuti asimbise suŋgano yake, yaakapikira madziɓaɓa ako, seɀaanoita nhasi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi urangarire Jehovha Mwari wako, nokuti ndiye anokupa simba rokuita upfumi, naizvozvo achisimbisa sungano yake, yaakapikira madzitateguru enyu, sezvazviri nhasi.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Naizvozvo unofanira kurangarira Tenzi Mwari wako nokuti ndiye anokupa simba rinokuwanisa upfumi. Anoita izvi kuti achengete chitenderano chaakapika kumadzitateguru ako sezvazviri pari nhasi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi unofanira kurangarira Jehovha Mwari wako, nokuti ndiye unokupa simba rokupfuma; kuti asimbise sungano yake, yaakapikira madzibaba ako, sezvaanoita nhasi.
Shona 2009?
Asi unofanira kurangarira Jehovha Mwari wako, nokuti ndiye unokupa simba rokufuma; kuti asimbise sungano yake, yaakapikira madzibaba ako, sezvaanoita nhasi.
Shona SUB 2002 Bible
Asi unofanira kurangarira Jehovha Mwari wako, nokuti ndiye unokupa simba rokupfuma; kuti asimbise sungano yake, yaakapikira madzibaba ako, sezvaanoita nhasi.