Deuteronomy 8:2 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Unofanira kuraŋgarira nzira yose yawakafambiswa nayo naJehova Mŋari wako murenje makore awa makumi manna, kuti akuninipise, nokukuidza, kuti aziʋe ɀaiʋa mumŋoyo mako, kana wakaŋga uciɗa kuceŋgeta mirairo yake, kana kwete.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Rangarirai matungamirirwo amakaitwa naJehovha Mwari wenyu munzira yose yomurenje makore ose aya makumi mana, achikuninipisai nokukuedzai kuti azive zvaiva mumwoyo menyu, kana makanga muchida kuchengeta mirayiro yake kana kuti kwete.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Rangarira zvose zvawakaona murwendo rwawakatungamirirwa naTenzi Mwari wako nomurenje kwamakore makumi mana, akaitira kuti akuninipise. Akakuedza achida kuona paumire, kuti unochengeta here mitemo yake kana kuti kwete.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Unofanira kurangarira nzira yose yawakafambiswa nayo naJehovha Mwari wako murenje makore awa makumi mana, kuti akuninipise, nokukuidza, kuti azive zvaiva mumwoyo mako, kana wakanga uchida kuchengeta mirairo yake, kana kwete.
Shona 2009?
Unofanira kurangarira nzira yose yawakafambiswa nayo naJehovha Mwari wako murenje makore awa makumi mana, kuti akuninipise, nokukuidza, kuti azive zvaiva mumoyo mako, kana wakanga uchida kuchengeta mirairo yake, kana kwete.
Shona SUB 2002 Bible
Unofanira kurangarira nzira yose yawakafambiswa nayo naJehovha Mwari wako murenje makore awa makumi mana, kuti akuninipise, nokukuidza, kuti azive zvaiva mumwoyo mako, kana wakanga uchida kuchengeta mirairo yake, kana kwete.