Deuteronomy 9:1 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Inzwa, iwe Israeri, nhasi unofanira kuyambuka Joridani, kuti upinde nyika kundopiwa ndudzi dzinokupfuʋura paʋukuru nesimba, dziʋe dzako, namaguta makuru anamaȿiŋgo anoȿika kuɗeŋga,
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Inzwa, iwe Israeri. Wava kuda kuyambuka Jorodhani zvino kuti upinde ugotorera ndudzi dzakakura uye dzakasimba kukupfuura, dzina maguta makuru ane masvingo akareba kwazvo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Teerera unzwe iwe Isiraeri; wava kuzoyambuka Jorodhani nhasi uno, uchindotorera ndudzi huru dzakasimba kupfuura iwe, nyika dzadzo dzina maguta makuru akakomberedzwa nenhungamakore dzetsvingo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Inzwa, iwe Isiraeri, nhasi unofanira kuyambuka Jorodhani, kuti upinde nyika kundopiwa ndudzi dzinokupfuura paukuru nesimba, dzive dzako, namaguta makuru ana masvingo anosvika kudenga,
Shona 2009?
"Inzwa, iwe Isiraeri, nhasi unofanira kuyambuka Jorodhani, kuti upinde nyika kundopiwa ndudzi dzinokupfuura paukuru nesimba, dzive dzako, namaguta makuru ana masvingo anosvika kudenga,
Shona SUB 2002 Bible
“Inzwa, iwe Isiraeri, nhasi unofanira kuyambuka Jodhani, kuti upinde nyika kundopiwa ndudzi dzinokupfuura paukuru nesimba, dzive dzako, namaguta makuru ana masvingo anosvika kudenga,