Deuteronomy 9:10 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Jehova akandipa mahwendefa maʋiri amabge, akaŋga akanyorwa nomunwe waMŋari; pamsoro pawo pakaŋga pakanyorwa mashoko ose akaŋga ataurwa kwamuri naJehova pagomo, ari mukati momŋoto nomusi weʋuŋgano.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Jehovha akandipa mahwendefa maviri amabwe akanga akanyorwa nomunwe waMwari. Paari pakanga pakanyorwa mirayiro yose yakanga yataurwa kwamuri naJehovha pagomo ari mukati memoto, nezuva reungano.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Tenzi ndipo paakandipa mafendefa maviri amabwe akanga akanyorwa noruoko rwake iye Mwari. Pakanga pakanyorwa mitemo yose yakanga yataurwa naTenzi kwamuri pagomo riya, yaakataura ari mukati memoto, pazuva riya romusangano.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Jehovha akandipa mahwendefa maviri amabwe, akanga akanyorwa nomunwe waMwari; pamusoro pawo pakanga pakanyorwa mashoko ose akanga ataurwa kwamuri naJehovha pagomo, ari mukati momoto nomusi weungano.
Shona 2009?
Zvino Jehovha akandipa mabwendefa maviri amabwe, akanga akanyorwa nomumwe waMwari; pamusoro pawo pakanga pakanyorwa mashoko ose akanga ataurwa kwamuri naJehovha pagomo, ari mukati momoto nomusi weungano.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Jehovha akandipa mahwendefa maviri amabwe, akanga akanyorwa nomunwe waMwari; pamusoro pavo pakanga pakanyorwa mashoko ose akanga ataurwa kwamuri naJehovha pagomo, ari mukati momoto nomusi weungano.