Deuteronomy 9:12 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Jehova akati kwandiri: Simuka, kurumidza kuɓuruka pano, nokuti ʋanhu ʋako ʋawakaɓuɗisa paEgipita, ʋaɀitadzira; ʋakurumidza kutsauka panzira yandakaʋaraira; ʋaɀiitira mufananidzo wakaʋumbga.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo Jehovha akandiudza kuti, “Buruka ubve pano iye zvino, nokuti vanhu vako vawakabudisa kubva muIjipiti vaita zvakaipa. Vatsauka nokukurumidza kubva pane zvandakavarayira uye vazviitira chifananidzo chakaumbwa.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Tenzi akanditi, ‘Sumuka ubve pano, ukurumidze kuburuka nokuti vanhu vako vawakaburitsa muIjipiti vaita zvakaipa. Vakurumidza kutsauka panzira yandakavaudza. Vazviumbira chifananidzo choutare hwakanyungurutswa.’
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Zvino Jehovha akati kwandiri, ‘Simuka, kurumidza kuburuka pano, nokuti vanhu vako vawakabudisa paIjipiti, vazvitadzira; vakurumidza kutsauka panzira yandakavaraira; vazviitira mufananidzo wakaumbwa.’
Shona 2009?
"Zvino Jehovha akati kwandiri, `Simuka, kurumidza kuburuka pano, nokuti vanhu vako vawakabudisa paIjipiti, vazvitadzira; vakurumidza kutsauka panzira yandakavaraira; vazviitira mufananidzo wakaumbwa.'
Shona SUB 2002 Bible
“Zvino Jehovha akati kwandiri, ‘Simuka, kurumidza kuburuka pano, nokuti vanhu vako vawakabudisa muIjipiti, vazvitadzira; vakurumidza kutsauka panzira yandakavaraira; vazviitira mufananidzo wakaumbwa.’