Deuteronomy 9:15 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Naiɀoɀo ndakadzoka, ndikaɓuruka pagomo, gomo rikapfuta nomŋoto; ɀino mahwendefa maʋiri esuŋgano akaŋga ari mumaʋoko aŋgu maʋiri.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Saka ndakadzoka ndikaburuka kubva pagomo richiri kupfuta nomoto. Uye ndakanga ndine mahwendefa maviri esungano mumaoko angu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Ndopandakazotendeuka ndoburuka mugomo imomo, iro gomo richinganduma moto, ndakabata mafendefa maviri echitenderano mumaoko.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Naizvozvo ndakadzoka, ndikaburuka pagomo, gomo rikapfuta nomoto; zvino mahwendefa maviri esungano akanga ari mumaoko angu maviri.
Shona 2009?
"Naizvozvo ndakadzoka, ndikaburuka pagomo, gomo rikapfuta nomoto; zvino mabwendefa maviri esungano akanga ari mumaoko angu maviri.
Shona SUB 2002 Bible
“Naizvozvo ndakadzoka, ndikaburuka pagomo, gomo rikapfuta nomoto; zvino mahwendefa maviri esungano akanga ari mumaoko angu maviri.