Deuteronomy 9:18 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ndikawira pasi pamberi paJehova, sapakutaŋga, mazuʋa anamakumi manna noʋusiku bgunamakumi manna; ndakaŋga ndisiŋgadyi ɀokudya, kana kunwa mvura, nokuɗa kweɀiʋi ɀenyu ɀose ɀamakaŋga matadza, muciita ɀakaipa pamberi paJehova, mucimutsamŋisa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo zvakare ndakawira pasi nechiso changu pamberi paJehovha kwamazuva makumi mana nousiku huna makumi mana; handina kudya zvokudya kana kunwa mvura, nokuda kwechivi chose chamakanga maita, muchiita zvakanga zvakaipa pamberi paJehovha nokudaro mukamutsa hasha dzake.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndakazoti pasi zvambarara pana Tenzi siku nesikati kwamazuva makumi mana, handina kumboisa chinhu kumuromo kana kunwa mvura zvayo sezvandakamboita pamusana pezvitadzo zvenyu zvamakapara muchiita zvakaipa pana Tenzi zvokumushatirisa,
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ndikawira pasi pamberi paJehovha, sapakutanga, mazuva ana makumi mana nousiku huna makumi mana; ndakanga ndisingadyi zvokudya, kana kunwa mvura, nokuda kwezvivi zvenyu zvose zvamakanga matadza, muchiita zvakaipa pamberi paJehovha, muchimutsamwisa.
Shona 2009?
Ndikawira pasi pamberi paJehovha, sapakutanga, mazuva ana makumi mana nousiku huna makumi mana; ndakanga ndisingadyi zvokudya, kana kumwa mvura, nokuda kwezvivi zvenyu zvose zvamakanga matadza, muchiita zvakaipa pamberi paJehovha, muchimutsamwisa.
Shona SUB 2002 Bible
Ndikawira pasi pamberi paJehovha, sapakutanga, mazuva ana makumi mana nousiku huna makumi mana; ndakanga ndisingadyi zvokudya, kana kunwa mvura, nokuda kwezvivi zvenyu zvose zvamakanga matadza, muchiita zvakaipa pamberi paJehovha, muchimutsamwisa.