Deuteronomy 9:19 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti ndakatya hasha nokutsamŋa kukuru, kwamakatsamŋirwa nako naJehova, nokuti wakaŋga aciɗa kukuparadzai. Asi Jehova wakandinzwa ʋo neŋguʋa iyo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ndakatya hasha nokutsamwa kwaJehovha, nokuti akanga atsamwa zvokuti angakuparadzai. Asi Jehovha akateererazve kwandiri.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
nokuti kukutsamwirai kwakaita Tenzi nokushatirwa kwaakakuitirai panguva iyoyo oda kukuparadzai, kwakandityisa. Asi panguva iyoyowo Tenzi akandinzwa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti ndakatya hasha nokutsamwa kukuru, kwamakatsamwirwa nako naJehovha, nokuti wakanga achida kukuparadzai. Asi Jehovha wakandinzwawo nenguva iyo.
Shona 2009?
Nokuti ndakatya hasha nokutsamwa kukuru, kwamakatsamwirwa nako naJehovha, nokuti wakanga achida kukuparadzai. Asi Jehovha wakandinzwawo nenguva iyo.
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti ndakatya hasha nokutsamwa kukuru, kwamakatsamwirwa nako naJehovha, nokuti wakanga achida kukuparadzai. Asi Jehovha akandinzwawo nenguva iyo.