Deuteronomy 9:23 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Neŋguʋa yamakatumŋa naJehova kuti mubve paKadeshi‐barnea, aciti: Kwirai, mutore nyika, yandakakupai, iʋe yenyu, makamukira murairo waJehova Mŋari wenyu, mukasamutenda, nokusaterera inzwi rake.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvino nenguva iyo makatumwa naJehovha kubva paKadheshi Bharinea, iye akati, “Endai mundotora nyika iyo yandakakupai.” Asi imi makamukira murayiro waJehovha Mwari wenyu. Hamuna kuvimba naye kana kumuteerera.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Tenzi paakakutumai kubva kuKadheshibharinea achiti, ‘Chiendai mundotora nyika yandakakupai kuti ive yenyu,’ imi makasindimara, mukaramba zvakanga zvataurwa naTenzi Mwari wenyu. Hamuna kuvimba naye, kana kuteerera zvaakareva.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nenguva yamakatumwa naJehovha kuti mubve paKadheshi-bharinea, achiti, ‘Kwirai, mutore nyika, yandakakupai, ive yenyu,’ makamukira murayiro waJehovha Mwari wenyu, mukasamutenda, nokusaterera izwi rake.
Shona 2009?
Nenguva yamakatumwa naJehovha kuti mubve paKadheshi-bharinea, achiti, `Kwirai, mutore nyika, yandakakupai, ive yenyu,' makamukira murayiro waJehovha Mwari wenyu, mukasamutenda, nokusateerera inzwi rake.
Shona SUB 2002 Bible
Nenguva yamakatumwa naJehovha kuti mubve paKadheshi–bhania, achiti, ‘Kwirai, mutore nyika, yandakakupai, ive yenyu,’ makamukira murairo waJehovha Mwari wenyu, mukasamutenda, nokusaterera izwi rake.