Deuteronomy 9:26 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ndikanyeŋgetera kunaJehova, ndikati: Haiwa, Jehova Mŋari, musaparadza henyu ʋanhu ʋenyu nenhaka yenyu, ʋamakadzikinura noʋukuru bgenyu, ʋamakaɓuɗisa paEgipita necanza cinesimba.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ndakanyengetera kuna Jehovha ndikati, “Nhai imi Ishe Jehovha, musaparadza vanhu venyu, nhaka yenyu yamakadzikinura nesimba renyu guru mukavabudisa muIjipiti noruoko rune simba.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ipapo ndakanamata kuna Tenzi ndichiti, ‘Regai kuparadza nhaka yenyu, vanhu vamakanunura noukuru hwenyu. Makavaburitsa muIjipiti nesimba renyu guru.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino ndikanyengetera kuna Jehovha, ndikati, ‘Haiwa, Jehovha Mwari, musaparadza henyu vanhu venyu nenhaka yenyu, vamakadzikinura noukuru hwenyu, vamakabudisa paIjipiti neruoko rune simba.
Shona 2009?
Zvino ndikanyengetera kuna Jehovha, ndikati, `Haiwa, Jehovha Mwari, musaparadza henyu vanhu venyu nenhaka yenyu, vamakadzikunura noukuru bwenyu, vamakabudisa paIjipiti neruoko rune simba.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino ndikanyengetera kuna Jehovha, ndikati, ‘Haiwa, Jehovha Mwari, musaparadza henyu vanhu venyu nenhaka yenyu, vamakadzikinura noukuru hwenyu, vamakabudisa muIjipiti neruoko rune simba.