Deuteronomy 9:4 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino kana Jehova Mŋari wako aʋadziŋga pamberi pako, usataura mumŋoyo mako, uciti: Jehova wakandipinza munyika ino iʋe yaŋgu, nokuɗa kwokururama kwaŋgu; nokuti Jehova unodziŋga ndudzi idzi nokuɗa kwokuipa kwaʋo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Shure kwokunge Jehovha Mwari wako avadzinga pamberi pako, usataura mumwoyo mako uchiti, “Jehovha akandiuyisa muno kuti nditore nyika ino nokuda kwokururama kwangu.” Kwete, Jehovha achadzinga ndudzi idzi pamberi pako nokuda kwokuipa kwadzo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Kana Tenzi Mwari wako akudzingira vanhu ivavo, usazofunga mumwoyo mako woti, ‘Tenzi akandiunza munyika ino kuti ndiitore ive yangu nokuda kwokururama kwemwoyo wangu.’ Asi kutoti Tenzi Mwari wako ari kuvadzinga nokuda kwekuipa kwavo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Zvino kana Jehovha Mwari wako avadzinga pamberi pako, usataura mumwoyo mako, uchiti, ‘Jehovha wakandipinza munyika ino ive yangu, nokuda kwokururama kwangu; nokuti Jehovha unodzinga ndudzi idzi nokuda kwokuipa kwavo.’
Shona 2009?
"Zvino kana Jehovha Mwari wako avadzinga pamberi pako, usataura mumoyo mako, uchiti, `Jehovha wakandipinza munyika ino ive yangu, nokuda kokururama kwangu; nokuti Jehovha unodzinga ndudzi idzi nokuda kokuipa kwavo.'
Shona SUB 2002 Bible
“Zvino kana Jehovha Mwari wako avadzinga pamberi pako, usataura mumwoyo mako, uchiti, ‘Jehovha wakandipinza munyika ino ive yangu, nokuda kwokururama kwangu; nokuti Jehovha unodzinga ndudzi idzi nokuda kwokuipa kwavo.’