Deuteronomy 9:5 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Haupindi munyika yaʋo, iʋe yako, nokuɗa kwokururama kwako, kana nokuɗa kwokururama kwomŋoyo wako; asi Jehova Mŋari wako unodziŋga ndudzi idzi pamberi pako nokuɗa kwokuipa kwaʋo, ʋuye kuti asimbise shoko rakapikirwa madziɓaɓa ako naJehova, kunaAbrahama, nokunaIsaka, nokunaJakobo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Haupindi munyika yavo kuti ive yako nokuda kwokururama kwako kana kururama kwomwoyo wako; asi Jehovha Mwari wako achadzinga ndudzi idzi pamberi pako, nokuda kwokuipa kwadzo, kuti azadzise zvaakapika kumadzibaba ako, kuna Abhurahama, kuna Isaka, nokuna Jakobho.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Hausi kuzondotora nyika yavo uchiita yako pamusana pokururama kwako kana kunaka kwemwoyo wako. Asi Tenzi Mwari wako ari kudzingamo ndudzi idzodzo pamusana pohuipi hwadzo nokuchengeta shoko raakatsidzira madzitateguru ako vana Abhurahamu naIsaki naJakobho.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Haupindi munyika yavo, ive yako, nokuda kwokururama kwako, kana nokuda kwokururama kwomwoyo wako; asi Jehovha Mwari wako unodzinga ndudzi idzi pamberi pako nokuda kwokuipa kwavo, uye kuti asimbise shoko rakapikirwa madzibaba ako naJehovha, kuna Abhurahamu, nokuna Isaka, nokuna Jakobho.
Shona 2009?
Haupindi munyika yavo, ive yako, nokuda kokururama kwako, kana nokuda kokururama komoyo wako; asi Jehovha Mwari wako unodzinga ndudzi idzi pamberi pako nokuda kokuipa kwavo, uye kuti asimbise shoko rakapikirwa madzibaba ako naJehovha, kuna Abhurahamu, nokuna Isaka, nokuna Jakobho.
Shona SUB 2002 Bible
Haupindi munyika yavo, kuti ive yako, nokuda kwokururama kwako, kana nokuda kwokururama kwomwoyo wako; asi Jehovha Mwari wako unodzinga ndudzi idzi pamberi pako nokuda kwokuipa kwavo, uye kuti asimbise shoko rakapikirwa madzibaba ako naJehovha, kuna Abhurahamu, nokuna Isaka, nokuna Jakobho.