Deuteronomy 9:7 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Raŋgarira, usakaŋganwa, kuti wakatsamŋisa Jehova Mŋari wako sei murenje; kubva pazuʋa rawakaɓuɗa naro panyika yeEgipita kudzimana maȿika kunɀimbo iyi, makaramba mucimukira Jehova.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Rangarirai izvi uye musakanganwa kuti makatsamwisa Jehovha Mwari wenyu sei murenje. Kubva nezuva ramakabuda muIjipiti kusvikira muchisvika pano, makaramba muchimukira Jehovha.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Yeuka urege kukanganwa kushatirisa kwawakaita Tenzi Mwari wako murenje, kubvira musi wawabuda muIjipiti kusvikira pano, waigara wakapikisana naTenzi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Rangarira, usakanganwa, kuti wakatsamwisa Jehovha Mwari wako sei murenje; kubva pazuva rawakabuda naro panyika yeIjipiti kudzimana masvika kunzvimbo iyi, makaramba muchimukira Jehovha.
Shona 2009?
"Rangarira, usakangamwa, kuti wakatsamwisa Jehovha Mwari wako sei murenje; kubva pazuva rawakabuda naro panyika yeIjipiti kudzimana masvika kunzvimbo iyi, makaramba muchimukira Jehovha.
Shona SUB 2002 Bible
“Rangarira, usakanganwa, kuti wakatsamwisa Jehovha Mwari wako sei murenje; kubva pazuva rawakabuda naro munyika yeIjipiti kudzimara masvika kunzvimbo iyi, makaramba muchimukira Jehovha.